Proverbs 27

1Usazvirumbidza pamusoro pezuva ramangwana,
nokuti hauzivi zvingauyiswa nezuva.
2Rega mumwe akurumbidze, kwete muromo wako;
mumwe munhuwo zvake, kwete miromo yako iwe.

3Ibwe rinorema uye jecha mutoro,
asi kudenhwa nebenzi kunorema kupfuura zvose.

4Hasha dzine utsinye uye kutsamwa kunokurira,
asi ndiani angamira pamberi pomunhu ane godo?

5Kutsiurwa pachena kuri nani
pane rudo rwakavanzika.

6Maronda okukuvadzwa neshamwari anogamuchirika,
asi kutsvoda kwomuvengi kunonyengera.

7Uyo akaguta anovenga uchi,
asi kune ane nzara kunyange zvinovava zvinozipa.

8Seshiri inorasika kubva padendere rayo,
ndizvo zvakaita munhu anorasika kubva pamusha wake.

9Mafuta nezvinonhuhwira zvinouyisa mufaro kumwoyo,
uye kunaka kwoushamwari kunobva padzidziso dzake dzakanaka.

10Usarasa shamwari yako kana shamwari yababa vako,
uye usangoenda kumba yehama yako kana wawirwa nedambudziko chete,
muvakidzani ari pedyo ari nani kupfuura hama iri kure.

11Iva wakachenjera, mwanakomana wangu, ugofadza mwoyo wangu;
ipapo ndichagona kupindura ani naani anondishora.

12Munhu akangwara anoona njodzi agovanda,
asi asina mano anoramba achienda uye agokuvadzwa nayo.

13Torera nguo uyo anozviita rubatso kumutorwa;
uitore semhiko kana achinge aiita rubatso kumukadzi asingazvibati.

14Kana munhu akafumira rungwanangwana
kukwazisa muvakidzani wake achidaidzirisa zvichaonekwa sechituko.

15Mudzimai anokakavara akafanana
nemvura inoramba ichidonha-donha mushure mokunge kwanaya;
16kumudzivisa zvakafanana nokudzivisa mhepo,
kana kuchingidzira mafuta noruoko.

17Simbi inorodza simbi,
saizvozvowo mumwe munhu anorodza mumwe.

18Uyo anochengeta muonde achadya zvibereko zvawo,
uye uyo anochengeta tenzi wake achakudzwa.

19Sezvo mvura ichiratidza chiso,
saizvozvowo mwoyo womunhu unoratidza munhu.

20Rufu nokuparadza hazvimboguti,
kunyangewo maziso omunhu haaguti.

21Hari ndeyokunyautsira sirivha uye choto ndechokunatsa goridhe,
asi munhu anoedzwa nerumbidzo yaanowana.

22Kunyange ukatswa benzi muduri,
kumutswa sezviyo nomutswi,
haungabvisi upenzi hwake maari.
23Iva nechokwadi kuti unoziva mamiriro amakwai ako,
uchengete zvakanaka mapoka ako;
24nokuti pfuma haigari nokusingaperi,
uye korona haigari kusvikira kuzvizvarwa zvose.
25Kana uswa hukabviswa, uye bumhudza rikabuda,
nesora rikaunganidzwa kubva kuzvikomo,
26makwayana achakuwanisa zvokupfeka,
uye mbudzi nomutengo womunda.
27Uchava nomukaka wembudzi
wakawanda wokudya iwe nemhuri yako,
uye wokuraramisa varandakadzi vako.
Copyright information for SnaBDSC